Magweta anorwira kodzero dzevanhu, eZimbabwe Lawyers for Human Rights, atanga kumirira vagari vemuHarare vakaendeswa kuvanhu vanotevera zvikwereti kana nenyaya yezvekwereti kukanzuru yeHarare
Vanhu vakawanda munyika vari kugunun’una pamusoro pedanho rekukwidza mitengo wekushandisa indaneti panharembozha kwaitwa namakambni enharembozha.
Kanzuru yeguta reHarare iri kutora matanho ekurwisa chirwere cheTyphoid icho chakauraya vanhu vaviri muHarare.
Zvikoro zvepamusoro soro munyika zvatanga zvidzidzo zvegore rino vadzidzi vange vasina kubhadhara mari vachirambidzwa kupinda muzvidzidzo zvichinzi hapana anodzidza asina kubhadhara mari.
Vana vakawanda vatadza kuenda kuchikoro nekuda kwekushaya mari vamwe nekuda kwekushaya nzvimbo sezvo mari dzinodikanwa dzakawanda zvakanyanya.
Veruzhinji muZimbabwe havasi kufara nemabatirwo akaitwa chikwata chemaWarriors apo chaive mukamba chichigadzirira makwikwi e2017 Africa Cup of Nations.
Dzimba dzakavakwa nebazi reUnited States Centers for Disease Control and Prevention riri muZimbabwe, pachishandiswa homwe ye United States President's Emergency Plan for AIDS and Relief (PEPFAR), dziri kupa mukana wekuti vanhu vaongororwe zvine chiremera ropa ravo kana riine hutachiona hweHIV.
Vatsigiri venhabvu vakafadzwa nechikwata chakadomwa nemurairidzi wemaWarriors, Kalisto Pasuwa, icho chiri kunokwikwidza kuma 2017 Africa Cup of Nations.
Dambudziko iri rinonzi riri kuwedzerwawo nenyaya yekuti makambani anogadzira fotereza ari kutadza kuwana mari yekunze yekuti akwanise kutenga zvinodiwa mukuigadzira.
Komisheni inoona nezvekodzeero dzevanhu, yeZimbabwe Human Rights Commission, inoti hurumende yakabvuma kuti pari kuitwa zvematongerwo enyika pakugoverwa kwechikafu munzvimbo dzine nzara munyika
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemhuri yavo vari kuzororo kunyika dzekumabvazuva dzakaita seSingapore neChina.
Murairidzi wechikwata chenyika che Zimbabwe Warriors, Kalisto Pasuwa, abuditsa mazita evatambi avo ari kuenda navo kuma 2017 Africa Cup of Nations finals.
Vagari vemuHarare vakaita saAmai Primrose Gwashu vanogara mumusha weveruzhinji weMbare vanoti vave kutyira hupenyu hwavo zvichitevera mvura ine tsvina yavari kunwa yavanoti iri kubuda mupombi dzekanzuru.
Kanzuru yakapa basa iri kukambani yeWell Cash mushure mekukundikana kuwana mari dzayo dzinodarika mamiriyoni mazana mashanu emadhora iri mumapazi ehurumende, makambani pamwe nevagari.
Gurukota rezvemukati menyika yeSouth Africa, VaMalusi Gigaba, vakurudzira masangano akazvimirira kuti ashande pamwe nehurumende yavo mukuona kuti nyaya yekupinda kwevanhu munyika iyi yabatwa nemazvo.
Nyaya yekunetsana muguta reHarare pakati pegurukota rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere nameya VaBernard Manyenyeni inenge iri kuenderera mberi mugore rino zvekare.
Vabereki vane vana vakawana nzvimbo dzeGrade One neForm One mudunhu reMashonaland West vanoti havasi kufara nekumanikidzwa kutenga maUniforms pazvikoro kuti vapihwe nzvimbo.
Mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ndivo vari kutungamira chirongwa cheCommand Agriculture ichi.
VeNational AIDS Council kana kuti NAC vanoti apo Zimbabwe yange yave kuita zvakanaka munyaya dzekurwisana neHIV/AIDS, vanhu vave kurivara izvo zvave kuita kuti vamwe vabatwe nehutachiwana hweHIV/AIDS.
China yakazivisa kuti ichatora danho rekumisa kutengeswa kwenyanga idzi zvishoma nezvishoma, ichitanga nekutora matanho munaKurume wegore rino.
Gore rapera ra2016 igore range rakaomera vazhinji pamwe nehurumende. Munyika makaita dambudziko rekushomeka kwemari zvakapa kuti bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe riparure mari yemabond notes asi asiri kubatsira kugadzirisa dambudziko iri.
Mutemo weStatutory Instrument 64 uyu unorambidza kupinzwa munyika kwezvigadzirwa zvinobva kunze.
Dambudziko rekushaikwa kwemari munyika rave kuita kuti kambani yeFidelity Printers and Refiners, itadzewo kuwana mari yekutenga goridhe kunyanya kubva kune vemakambani madiki anochera chicherwa chakakosha ichi.
Vaimbova mutungamiri wehurumende uye vari mutungamiri weMDCT, VaMorgan Tsvangirai, vanoti hurumende inofanira kuvandudza nyaya dzekurima pamwe nekuvhura maindasitiri kuitira kuti hupfumi hwenyika husimukire.
Vagari vekwaChiadzwa vari kuchema-chema nekushanduka kwaita hupenyu hwavo izvo zvopa kuti tsika yehupfambi nemamwe mabasa erima zvitekeshere munharaunda iyi.
Varimi vechibage munzvimbo yeMakonde mudunhu reMashonaland West vanoti goho ravo richakanganiswa zvakanyanya nekuda kwemakonye emhando ye"armyworm" ari kudya zvirimwa zvavo.
Gavhuna webhanga guru renyika Dr John Mangudya vari kutarisirwa kuparura hurongwa hwemafambisirwo emari kana kuti Monetary Policy mukupera kwaNdira gore rinouya.
Vatambi venjuga yebhora, mabhiza neimbwa havasi kufara nekutadza kubhadharwa mari dzavanenge vahwina muChinhoyi.
Dambudziko rekushaikwa kwemari riri kuenderera mberi uye mabhanga ese nhasi ange aine mitsetse yakareba yevanhu vange vachida mari uye vazhinji vataura neStudio 7 vanoti vave kubatwa neseri kweruoko nemabhanga.
MuZimbabwe chete vana vanodarika zviuru makumi matatu vanonzi vakatarisana nedambudziko rekushaiwa zvekudya zvinovaka muviri.
VaChideme vanoti kanzuru inoda mari iri muvagari iyi zvakanyanya kuitira kuti ikwanisewo kufambisa mabasa ayo akafanana nekutakura marara nezvimwe.
PTUZ inoti hurumende haina zvayakazivisa pamusoro pevarairidzi vachadzidzisa zvidzidzo zvitsva izvi, zvichireva kuti varairidzi vari kudzidzisa History pari zvino ndivo vanenge votakuriswa mutoro uyu.
Dambudziko rekusamira zvakanaka kwehupfumi pamwe nekushaikwa kwemari mumabhanga raita kuti vamwe vanhu vemuZimbabwe vatadze kufamba kuenda kumisha yavo yekumaruwa pamwe nemamwe madhorobha.
Nguva yeKisimisi inguva yekuzorora asi veruzhiji vanoda kutora nguva iyi kuita zvakasiyana siyana.
Boka revechidiki rebato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti rine hurongwa hwekubatsira dzimwe mhuri dzenhengo dzebato iri kuti dzive nezororo reKisimisi negore idzva rakanaka.
Dambudziko remari munyika rinonzi riri kuramba richitowedzera panguva iyo vanhu vari kuda mari dzavo kuti vakwanise kufamba kana kutenga zvavanoda zvekupedzisira vasati vapinda muzororo reKisimusi.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakabuda munyika neChipiri manheru vakananga kuSingapore kuzororo ravo repagore richatora mwedzi wese.
Bazi rePublic Service Commision riri kukurudzira gurukota rinoona nezvevechidiki, VaPatrick Zhuwao, kuti vagumure basa vechidiki kana kuti mayouth officers vari kutambiriswa mari nehurumende vari muma ward ose enyika.
Mutongi wedare redzimhosva, VaClement Phiri, vapa masimba kuchikonzi chematare kuti chinobvisa vanhu vakaiswa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, padzimba nhatu dziri muharare dzeimwe shoroma inogara kuDubai, VaJamal Ahmed.
Vagari vemumusha weEpworth, uko kune matombo akaturikana, Balancing Rocks, vanoti kusavandudzwa kwenzvimbo yavo kuri kupa kuti hutano hwavo huve parumana nzombe.
Aimbotambira Caps United, Charles Manjera, anoti VaChiyangwa havakodzeri kutungamira Cosafa sezvo vakonzera nyonga nyonga munhabvu munyika.
Dambudziko rekushaikwa kwemari mumabhangi riri kuwedzera zvichitevera kutadza kupa vanhu mari yakatarwa nebhanga guru renyika yemadhora makumi mashanu pazuva.
Mugari wekuMasvingo, Va Paul Zinhoro, vanoti muguta hamuna mufaro hwakakwana kuvagari kunyange kune musangano mukuru wakadai.
Asi zvinenge zvapfurikidza pamazana maviri emadhora aya zvichizochajwa mutero wezvikamu makumi mana kubva muzana, kana kuti 40%.
Musangano uyo uri kushoropodzwa nevamwe vagari mushure mukubuda kwemashoko ekuti Zanu PF yakashandisa mari inosvika mamiriyoni matanhatu emadhora pagadziroro dzemusangano uyu.
Mumwe muzvinabhizinesi wechidiki, Va Tawanda Chikosi, avo vakatanga App yavo inonzi Road Rules inobatsira vanoda kutora zvitupa zvekudzidzira kutyaira motokari, kana kuti provisional licence, vanoti vari kufara kuti mumwe wevanhu vakawana mubayiro we Young Achievers Award.
Hurumende kuburikidza nebazi rezvemaindustry nekutengeserana, sangano Hurumende kuburikidza nebazi rezvemaindasitiri nekutengeserana, sangano reZimbabwe Evidence Informed Policy Network kana kuti ZEIPNET uye sangano reZIMTRADE, inoti zvekudya zvinofanirwa kutengeswa kunze kwenyika kuitira kuti nyika iwane mari.
Vanotungamira nhabvu ve Zimbabwe Football Association, Zifa, vanoti vane hurongwa hwakasimba hwekugadzirira chikwata chemaWarriors chisati chasimuka kuenda kuma 2017 Africa Cup of Nations.
Vanhu vakawanda vari kutambaira zvakasiyana siyana hurongwa hwehurumende hwekuumba homwe yezvehutano, kana kuti Health Fund Levy, iyo ichange ichibva kumitero inobatirwa pamari inoshandiswa kutenga airtime yenharembozha.
Musangano wepagore weZanu-PF annual conference uri kutarisisirwa kutanga neChipiri pachiitwa musangano weCentral Committee uchizoteverwa newePolitburo nemusi weChitatu muHarare.
Mumwe muzvina bhizinesi wechidiki, vaNigel Mugamu, avo vanozivikanwa nerekuti Sir Nigel ve263 Chat, vanoti vari kufara nekunge vari mumwe wevanhu vakawana mubayiro we Young Achievers Award wakakokerwa nebepa re Techno Mag.
Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, nemwanakomana wavo, VaRussel Gorereza, vanonzi havasati vapindura mapepa akaturwa kudare redzimhosva vachipomera mhosva yekutora zvine chisimba dzimba nhatu dzeimwe shoroma yekuDubai.
Vatsigiri venhabvu vari kukurudzira Caps United kuti inofanira kutenga vatambi vatsva kana ichitarisira kuita zvakanaka muCaf Champions League.
VaBiti vatiwo mari yebhajeti yakataurwa naVaChinamasa yakawandisa, sezvo nyika yagwadama munyaya dzehupfumi.
Hurumende inoti inotarisira kushandisa mari inosvika 4 point 1 billion dollars gore rinouya kunyange hazvo iri kutarisira kuwana mari inmoita 3 point 7 billion dollars.
Veruzhinji muHarare pamwe nevemabhizimusi vanoti bhajeti raturwa negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, rine zvimwe zvakanaka pamwe nezvimwe zvinoita kuti hupfumi hwenyika husasimukire.
Mubairo uyu unopiwa kune vechidiki vari kusimukira munyaya dzehutungamiri, uye unotungamirwa nesangano reAfrican Leadership Institute.
Pfungwa idzi dzakabuda pamusangano wakaitwa muBulawayo neChitatu wekuzeya kuti chimiro cheZimbabwe nemaonerwo ainoitwa nevekunze zvingavandudzwa sei.
Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe nemusi weChitatu rakazivisa kuti richaparura imwe mari yemabond notes mamiriyoni manomwe.
Vazhinji vane hama neshamwari dziri kunze kwenyika vanonzi vatove kutarisira kuwana rubatsiro kubva kuvanhu ava, izvo zvawedzera huwandu hwemari uhwu.
Mumwe murimi wekuBanket, VaInnocent Chesa, vanoti chinonyanya kurwadza ndechekuti vakarega kupemha mbeu nefotireza vachiti vachayamurwa nehurumende pasi pechirongwa ichi, asi kusvika pari nhasi, hapana chati chabuda.
Chirongwa ichi chinonzi Women Owned Brand (WOB) icho chichaona zvigadzirwa zvemakambani aya zvichinge zviine chitambi cheWOB.
Asi munyori anoona nezvehupfumi muMDC zvakare vachimirira Hatfield mudare reNational Assembly, VaTapiwa Mashakada, vati veruzhinji vatambura nenhamo uye VaMugabe havana kutaura kuti hurumende yavo ichapedza matambudziko aya sei.
Vamwe vechidiki vachawana mukana wekudzidziswa nemakambani pamwe nana muzvinabhizimusi kuitira kuti vave neruzivo rwemafambisirwo pamwe nematangirwo emakambani.
Gavhuna webhanga guru enyika, Va John Mangudya, vave nevhiki rimwe chete vaparura mabond notes kuti vayedze kugadzirisa dambudziko rekushomeka kwemari.
Makambani aya anoti akatarisana nematambudziko munyaya dzemutengo wemagetsi, kuwanikwa kwemari yekuwedzera mabasa pamwe nezvimwe zvaanoshandisa zvisiri kuwanikwa.
Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Harry Thomas Jnr, vapa rubatsiro rwemari inodarika zviuru mazana maviri nemakumi matanhatu emadhora kuzvirongwa zvichasimudzira magariro nehupenyu hwevanhu munyika.
Vanotsvagira vatambi venhabvu zvikwata zvekunze kwenyika, VaGeorge Deda, vanoti vawana maketi itsva yevatambi vemuZimbabwe.
Vashandi vehurumende vakanyora tsamba kuhurumende neChishanu chapfuura vachida kuti ivazivise kuti vachawana mihoro yavo yemwedzi waZvita riini, uye kuti hurumende imire papi panyaya dzemari yebhonasi.
Vamwe vagari vemuChinhoyi vanoti danho reparamende rekunzwa zvinofunga veruzhinji pamusoro pekuparurwa kwemari yema bond notes kutambisa mari yenyika sezvo pfungwa dzavo dzisisashandiswe.
Vashandi vehurumende vari mubazi redzidzo vazotambira mihoro yavo yemwedzi waMbudzi nhasi asi vasangana nerimwe dambudziko kumabhanga avo, sezvo atadza kuvawanisa mari dzavo.
Pamari iyi, mamiriyoni makumi matatu emadhora inonzi chikwereti chiri mumakanzuru, kuchitiwo imwe imari yezvikwereti zvine mapazi ehurumende pamwewo nevarimi.
Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo paHarvest House neChina mangwanani, VaTsvangirai vati hurumende inofanira kutaura neSouth Africa kuitira kuti ishandise mari yenyika iyi.
Vagari ava vati paramende inofanirwa kuramba kutambira bhiri reReserve Bank of Zimbabwe Amendement Bill iro richaisa mutemo wekuti mari yemabond note ishande zviri pamutemo.
Kuratidzira uku kwatangira pamuzinda weMDC paHarvest House apo varatidziri ava vaimba vakatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana vachinanga kuparamende.
achipindura mibvunzo iyi kubva kunhengo dzeNational Assembly muHarare, VaMnangagwa vati hapana anomanikidzwa kushandisa mari iyi.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvabatana nevamwe vari kumusha vari kuramba kutambira kushandiswa kwema bond note, ayo akaparurwa nebhanga guru renyika reRBZ nemusi weMuvhuro.
Mutungamiri wesangano reTag A Life International, Muzvare Nyaradzo Mashayamombe, vanoti zvizhinji zvinofanirwa kuitwa nenyika dzakadaita seZimbabwe mukuyedza kuvandudza hupfumi kuitira kuti pasave nedambudziko rekutapwa kwevanhu.
Gavhuna webhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya, nemusi weMuvhuro vakaparura mari yemabond notes iyo iri kutambirwa zvakasiyana siyana munyika.
Zvikwata zveCaps United neFC Platinum zviri kurwira zvekare mukombe weCastle Soccer Star of the Year zvichitevera sarudzo yevatambi gumi nemumwe chete vakaita mashiripiti gore rino.
Vagari vekwaMutare vari kunyunyuta zvakanyanya nekuunzwa kwaitwa maBond Notes vachiti hurumende yeZanu PF iri kuita zvisiri kudiwa neruzhinji rweZimbabwe.
NERA, iyo inobatanidza mapato gumi nemasere ezvematongerwo enyika, yaive yakaronga kuratidzira uku neChitatu chesvondo rapera asi mapurisa akavarambidza kupinda mumugwagwa.
Mabhanga munyika nemusi weMuvhuro akatanga kupa vanhu mari yemabond notes kunyange hazvo vamwe vezvitoro, pamwe nevanotengesa mumigwagwa vakambotanga vachiramba kutambira mari iyi mangwanani.
NeChitatu VaChinamasa vainge vakumbira paramende kuti zvinhano zvese zvinodiwa kuti bhiri ripasiswe zviitwe musi mumwechete asi nhasi vati vabvisa chikumbiro ichi pamberi pedare reNational Assembly.
Vedzimotokari dzinotakura vanhu mumisha inogara veruzhinji vanoti kushayikwa kwemafuta kuri kuita kuti vasashande sezvavaimboita apo mafuta aiwanikwa nyore.
Vatambi ava vakaumba chikwata chavo cheCaps United Legends, icho chiri kutungamira hurongwa hwekutsvaga mari uhwu.
Amai Jennifer Rupiya mumwe wemadzimai emunyika vakatanga bhisinesi re kuveza mugore ra 2010 kunyangwe vainge vasina kuzvifundira. Asi parizvino vave nyanzvi mubasa ravo kunyangwe zvinhu zvisina kumira zvakanaka panyaya yehupfumi.
Mamwe makambani anouchika mbeu munyika anoti ane mbeu inokwanirana nemurimi wese uye anoti mbeu iri kunonoka kuenda kuvarimi pasi pezvirongwa zvehurumende zvinoti chePresidentil Input Scheme neCommand Agriculture nekuti hurumende yakanonoka kubhadhra mbeu iyi uye pane varimi vakawanda vasati vawana mbeu kunyange hazvo mvura yatanga kunaya.
Bato iri rinoti panguva iyo upfumi hwenyika hwakamira uye hurumende iri kutatarika kupa vashandi vayo mihoro yavo panguva dzakatarwa, zvinoodza mwoyo uye hazvina musoro kuti bazi rekudzivirirwa kwenyika ripinze vamwe vanhu muchiuto.
Panyaya yemari yekutendwa, kana kuti mabhonasi, VaMushipe vanoti vashandi vave nechivimbo chekuti vachawaniswa mari iyi sezvo mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakavavavimbisa kuti vachaiwana.
VaTheo Bronkhorst vakabatsira kuuraya shumba yainge iine mukurumbira inonzi Cecil vanzi nedare repamusoro havana mhosva nekuti hapana humbowo hwakakwana hwekuti vachuchiswe.
Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou vanoti mabhanga mazhinji haasi kana kutokwanisa kupa vanhu dzimari, vachitiwo mashoma acho ari kukwanisa ari kupa mune dzimwe nguva madhora gumi nemashanu chete pamunhu.
Vakawanda vave kutenga zvekudya zvinokwana kudya musi mumwechete zvino zivikanwa nezita rekuti "tutsaona".
VaGumbo vanoti izvi zvinoita kuti njanji nekambani yehurumende yeNational Railways of Zimbabwe zvisasvika pakuparara uyewo migwagwa mikuru yemunyika isakuvare nekuda kwekuve nemotokari huru kana marhori akawanda anotakura zvinhu zvinorema.
Varatidziri ava vanga vakatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana zvanga zvichitsoropodza nyaya yehuwori pamwe nekusatakurwa kwemarara munzvimbo zhinji dzeguta iri.
ZCIEA inoti izvi zvinoita chete ndokunge hurumende yakazvipira kuita nhaurirano.
Izvi zvinotevera musangano waitwa pakati pemakurukota emapazi akasiyana-siyana ehurumende idzi wanga uchidaidzwa kuti bi-national commission unove wekutanga wakadai kuitwa nenyika mbiri idzi.