Makundano eCastle Lager Premier Soccer League ari kusvika kwambvuya yacheka makumbo neMugovera.
Mutambi wetsiva ane mukurumbira munyika Charles Manyuchi aramba mashoko ari kubuda ekuti akarasikirwa nebhande rake reWorld Boxing Council silver welterweight nekuti haana kuridzivirira mukati memwedzi mitanhatu.
Varairidzi nemakaputeni ezvikwata zvenhabvu zvemuPremier Soccer League vakabatana pamwe nevanyori vemutambo wenhabvu vari kusangana musi wa 29 Mbudzi kuti vasarudze vatambi gumi nemumwechete avo vakaita mashiripiti gore rino.
Vatambi ava vakaumba chikwata chavo cheCaps United Legends, icho chiri kutungamira hurongwa hwekutsvaga mari uhwu.
Mhemberero yekutora mukombe weligi yanga yakarongwa nevatsigiri veCaps United yambomiswa kwete nekuda kwavo. Kunyange hazvo Caps United nezuro yakarova Ngezi Platinum Stars 1-0, mhemberero yavo yakakanganiswa neFC Platinum iyo yakadambura Highlanders 3-0 ndokuramba ichikwikwidza nemaGreen Machine pamukombe weCastle Lager Premier Soccer League.
Ngezi Platinum Stars yayambira Caps United kuti isapemberere kutora mukombe weligi zvechimbichimbi nekuti munhabvu munhu anofanira kutenda maruva adya chakata.
Chikwata chemaWarriors chiri kuratiza kuti chiri munzira yakajeka apo chakananga kumakwikwi e2017 Africa Cup of Nations.
Vatambi venhabvu veZimbabwe vane mukurumbira vave mukamba kugadzirira mutambo wavo wekuratidzana masimba neTanzania.
Vakuru vakuru vekambani yeZimplats varikusangana nevanotungamira chikwata cheNgezi Platinum Stars svondo rino risati rapera kuona kuti vanokwanisa here kuisa mari yekuti chikwata chemuPremier Soccer League ichi chikwikwidze mu 2016 Caf Confederation Cup.
Murairidzi wechikwata cheNgezi Platinum iyo yakashura mare nekurova FC Platinum 3-1 neMugovera VaTonderai Ndiraya vanoti chidokwadokwa chekuda kunotamba mumakwikwi emuAfrica ndizvo ndicho chakapa kuti vakomana vechikwata chavo chisimudze mukombe weChibuku Super Cup
MaMighty Warriors arikuda $300 000 kuti vasimuke kuenda kunokwikwidza kumaAfrica Women’s Championships kuCameroon.
Castle Premier Soccer yazivisa nhasi kuti mafainals emakwikwi eChibuku Super Cup pakati peNgezi Platinum ne FC Platinum kuBaobab Stadium nemusi weMugovera.
Makwikwi eCastle Lager Premier Soccer League atsvuka ropa apo arikupinda musvondo remakumi maviri nemasere.
Makundano eChibuku Super Cup ar ikupinda musemi fainari apo Highlanders yadongorera mufainari.
Pakave nemufaro mukuru nemusi weChitatu paSontala Secondary School kuMatobo District apo vamwe vevatambi vakaita mukurumbira muchikwata cheHighlanders vakashanyira nzvimbo iyi vakatamba mutambo wenhabvu wehushamwari nevamwe vechidiki vemunzvimbo mekare.
Makundano enhabvu eCastle Lager Premier Soccer League ave nemutungamiri mutsva. Caps United ndiyo yave kutungamiri makundano aya zvichitevera mitambo yakaitwa mukupera kwesvondo.
Aimbove kaputeni wechikwata chenyika cheZimbabwe Heath Streak ndiye adomwa kuita murairidzi mutsva wechikwata chenyika checricket chemaChevrons. Mutori wedu wenhau dzemitambo Michael Kariati anotipa nyaya iyi.
Draw yema semi fainari eChibuku Super Cup yakaitwa kumahofisi ePremier Soccer League nemusi weChipiri.
Makundano eCastle Lager Premier Soccer League amboenda kuzororo kupa mukana kumakwikwi eChibuku Super Cup.
Dyanamos iyo ine gakava mumba mayo iri kutarisirwa kutamba nechikwata chiri kutungamira gungano reCastle Premier Soccer Leagur cheFC Platinum mumutambo wakatarisirwa neveruzhinji munyika.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuIndianapolis mudunhu reIndiana muno muAmerica,Muzvare Mutsa Majero, chakanyora bhuku revana rinotsanangura nhoroondo yehupenyu hwakasiyanasiyana, kusanganisira hwachakararama icho pamwe nemhuri yacho.
Muridzi wechikwata cheCaps United VaFarai Jere vanoti vari kuyedza kugadzirisa nyaya dzemari dzemihoro yevatambi vechikwata chavo mushure mekunge vatambi ava vamboramba kutamba nhabvu neMugovera.