This version of the page http://www.voashona.com/a/zimbabwe-mitambo/3251718.html (0.0.0.0) stored by archive.org.ua. It represents a snapshot of the page as of 2016-07-10. The original page over time could change.
Zimbabwe Yocherechedza Zuva reKuwanira Vanhu Mvura Yakachena

Accessibility links

  • Endai kuzvinyorwa zvashandiswa
  • Endayi kumuzinda wekunevhigeta
  • Endai Kunotsvaga
  • Learning English
  • Ndebele
  • Zimbabwe
Mitauro
Matongerwo eNyika

Zimbabwe Yocherechedza Zuva reKuwanira Vanhu Mvura Yakachena

  • Chioneso Jani

  • Share on Facebook
  • Share on Twitter
  • Timurai shamwari tsambambozha

Zimbabwe nemusi weChipiri yakabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva rekuchengetedza mvura kana kuti World Water Day.

Dingindira regore rino riri kutarisa nyaya yemvura nemabasa kana kuti “Water and Jobs” Mukuru weHuman Settlement muUnited Nations Habitat Dr Thomas Chiramba vanoti Zimbabwe inofanira kuchengetedza mvura nekuwanisa vanhu mvura yakachena.

Muna 1993, bazi reUnited Nations General Assembly rakatara musi wa 22 Kurume wega wega sezuva rekucherechedza kukosha kwemvura muhupenyu hwevanhu.

Munyori mukuru weUnited Nations VaBan Ki Moon vakakurudzira vanhu kuti vakoshese kuchengetedza mvura vakati kunyangwe mvura yakakosha, hapana zvakawanda zviri kuitwa kuichengetedza.

Ongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti vanhu vanodarika mamiriyoni mazana makumi masere nematatu havakwanise kuwana mvura yakachena yekushandisa yakachena.

United Nations inoti kukura kwedambudziko iri ndiko kwakapa kuti vatare zuva iri kuti ringe richicherechedzwa. Vanhu vanokurudzirwawo kuti vachengetedze nzizi.

VaBan vanoti kuti zviga zve 2030 UN Sustainable Development Agenda zvibudirire zvakakosha kuti vanhu vakwanise kuwana mvura yakachena. Vanoti kuwana mvura yakachena zvinopa kuti vanhu vasabatwe nezvirwere izvo zvinopa kuti vaite basa vakagwinya.

Zvichakadaro, sangano rinorwira kodzero dzevanhu reHuman Rights watch rinoti zvakanaka kuti nyika dzitongwe zvakanaka zvinozopa kuti pasave musiyano wakakura pakati pevanowana mvura nevanoshaya.

Mungangodewo

  • Matongerwo eNyika

    VaPromise Mkwananzi veTajamuka Vogariswa Mujeri

  • Matongerwo eNyika

    VaMugabe Vanoti Zvirango Ndizvo Zvopa Kuti Hurumende Itadze Kubhadhara Vashandi

  • Mitambo

    Vakawanda Votarisa Mitambo yeEuro Uko PSL Ichikanzura Mitambo kuBulawayo neNyaya yeKutyira Mhirizhonga

  • Matongerwo eNyika

    Vechidiki veMDC T Voronga Kutsvaira muHarare

  • Matongerwo eNyika

    Muchuchisi Mukuru VaJohannes Tomana Vanosungwa neMhosva Yekushandisa Hofisi Yavo Zvisizvo

Back to top
XS
SM
MD
LG