This version of the page http://www.voashona.com/a/zimbabwe-ndege/3363930.html (0.0.0.0) stored by archive.org.ua. It represents a snapshot of the page as of 2016-07-09. The original page over time could change.
Air Zimbabwe Yopedza Makore Mana Isina Kutambirisa Vatyairi veNdege

Accessibility links

  • Endai kuzvinyorwa zvashandiswa
  • Endayi kumuzinda wekunevhigeta
  • Endai Kunotsvaga
  • Learning English
  • Ndebele
  • Zimbabwe
Mitauro
Mari-nehupfumi

Air Zimbabwe Yopedza Makore Mana Isina Kutambirisa Vatyairi veNdege

  • Irwin Chifera

  • Share on Facebook
  • Share on Twitter
  • Timurai shamwari tsambambozha

Vatyairi vendege kukambani yehurumende, yeAir Zimbabwe, nemusi weMuvhuro vakaudza komiti yeparamende inoona nezvezvekutakurwa kwezvinhu kuti havasi kuwana mari dzavo dzemihoro kubva muna2013 uye vari kupihwa mari yekubatsirikana chete kana kuti mallowances izvo zvave kuita kuti vamwe vavo vasiye mabasa vachienda kumakambani ekunze.

Vatyairi ava vachitaura vari pasi pesangano rinovamirira, reZimbabwe Flights Crew Association vanotiwo mashandiro avo haana kumira zvakanaka uye zvichemo zvavo hazvisi kutambirwa sezvo kambani yavo iri kutungamirwa nevanhu vakangofanobata zvigaro vasina masimba akawanda ekutora matanho akasimba.

Sachigaro weZimbabwe Flights Crew Association, Captain Otis Shonai, vatiwo kunze kwemari yekubatsirikana hapana zvimwe zvavari kuwana uye dzimwe nguva Air Zimbabwe iri kutadza kubhadhara mari yechikoro yevana vavo.

Captain Shonhai vatiwo vatyairi vendenge vakawanda havana dzimba kana motokori uye shuviro yavo ndeye kuti dai vapihwa mari dzezvikwereti kana kutambiriswa mari inota kuti vakwanise kutenga dzimba kana motokari.

Vati nekuda kwekusamira zvakanaka kwemashandiro avo vazhinji vavo vari kusiya basa vakati muna 2009 Air Zimbabwe yaive nevatyairi vendege makumi matanhatu asi pari zvino yasara nevatyairi vendege makumi matatu nevashanu chete .

Munyori wesangano iri, First Officer Gutu Kachambwa vatiwo matambudziko avo anokonzerwa nekutiwo mubhodhi rekambani iyi hamuna vanhu vane ruzivo nezvekufambiswa kwendege.

Rimwe dambudziko riripo nderekuti hurumende inotora nguva yakareba chose kugadzirisa matambudziko eAir Zimbabwe izvo zvave kukonzera kuti kambani iyi itadze kushanda nemazvo.

VaKachambwa vati Air Zimbabwe ine mukana wakakura chose wekuita mari nekusimudzira hupfumi hwenyika asi izvi hazvisi kuitika nekuti hurumende pamwe nebhodhi zviri kutadza kutora matanho ekusimudzira nyika iyi.

Vati semuenzaniso, hurumende inofanira kubhadhara chikwereti chenyika chemamiriyoni maviri nemazana manomwe ezviuru zvemadhora kuInternational Air Transport Association kuti Air Zimbabwe ikwanise kudyidzana pamwe nekushanda nemamwe makambani endege pasi rose.

VaKachamwa naShonhai vanotiwo kuti zvinhu zvifambe vanofunga kuti vatyairi vendege vanofanira kupihwa chigaro mubhodhi rekambani iyi uyewo bazi rezvekutakurwa kwezvinhu rinofanira kupinza basa nyanzvi dzinoziva nezvekufambiswa kwendenge kuti dzibatsire hurumende mukusimudzira Air Zimbabwe.

Pari zvino Air Zimbabwe ine ndege ina chete dziri kushanda, inoenda kuSouth Africa, Tanzania, Bulawayo neVictoria Falls. VaKachambwa naVaShonhai vanotiwo zvakakosha kuti Air Zimbabwe itange rwendo rwekuenda kuLondon vachiti rwendo urwu rwune mari chose.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaJorum Gumbo kana kuti vakasanobat chigaro chemukuru weAir Zimbabwe VaEdmund Makona kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi imwe nhengo yekomiti iyi VaElias Mudzuri vati dambudziko reAir Zimbabwe rinozivikanwa nemunhu wese uye dambudziko riripo nderekuti hurumende haina mari.

Sachigaro wekomiti iyi, VaDexter Nduna, vati komiti yavo ichagara basa nehurmende kuti igadzirise dambudziko reAir Zimbabwe.

Air Zimbabwe ine zvikwereti zvinodarika mamiriyoni mazana matatu emadhora izvi zvinonzi zviri kuitadzisa kuwana makambani ekunze ekushanda nawo kubva muna 2012.

Mungangodewo

  • Matongerwo eNyika

    VaMugabe Vanoti Zvirango Ndizvo Zvopa Kuti Hurumende Itadze Kubhadhara Vashandi

  • Mitambo

    Vakawanda Votarisa Mitambo yeEuro Uko PSL Ichikanzura Mitambo kuBulawayo neNyaya yeKutyira Mhirizhonga

  • Matongerwo eNyika

    Vechidiki veMDC T Voronga Kutsvaira muHarare

  • Matongerwo eNyika

    Muchuchisi Mukuru VaJohannes Tomana Vanosungwa neMhosva Yekushandisa Hofisi Yavo Zvisizvo

  • Matongerwo eNyika

    VaTsvangirai Vanoti VaMugabe Ngavagadzirise Zviri Kunetsa Munyika Kwete Kutumira Mapurisa Kuti Arove Vanhu

Back to top
XS
SM
MD
LG