Mari-nehupfumi
-
Kubvumbi 05, 2016
Zimplats Yowanikwa Iri Pakati peMakambani Anonzi Aiviga Mari Kunze kweNyika
Imwe kambani ine mukurumbira munyika yeZimplats, inonzi yakaumba kambani kunze kwenyika kuitira kuti igobhadhara vakuru vakuru vayo mari dzemihoro, hurumende yeZimbabwe isina ruzivo nazvo.
-
Kubvumbi 05, 2016
Makambani emuSouth Africa Okurudzira Hurumende Yavo Kuti Iomesere Makambani emuZimbabwe paHondo yeMutero
Vemakambani ekuSouth Africa vanoti vave kuda kuti hurumende yavo iomesere makambani emuZimbabwe zvichitevera kukwidzwa kwemitero neZimbabwe yekuti zvinogadzirwa muSouth Africa zvipinde muZimbabwe.
-
Kubvumbi 05, 2016
Masangano emaMadzimai Oratidzira neNyaya yeKubatwa seNhapwa kweVamwe kuKuwait
Masangano anorwira kodzero dzemadzimai anoti Zimbabwe Women In Politics Alliance ne Zimbabwe Activist Alliance nemamwewo arikuronga kuratidzira nemusi weChitatu muHarare pamuzinda we Kuwait vachiti madzimai nevanasikana vari kushanda senhapwa munyika iyi vadzorwe kumusha nechimbi chimbi.
-
Kubvumbi 05, 2016
Mari Yoshomeka muMabhanga
Zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika nenyaya yekushomeka kwemari mumabhanga. Mabhanga adzikisa mari irikutorwa kana kutovhara maATM.
-
Kubvumbi 01, 2016
Mitambo yeNhabvu yeCastle Premier Soccer League Yotanga
Makundano eCastle Lager Premier Soccer League ari kupfungaira hutsi svondo rino kuchitarisirwa machikichori enhabvu mumwedzi misere inotevera
-
Kurume 31, 2016
Hurumende Yotadza Kubhadhara Mabhonasi Avana Chiremba
Zvinhu hazvinawo kumira zvakanaka kuhurumende iyo nemusi weChitatu yakatadza kubhadhara vanachiremba mari dzavo dzemabhonasi sezvayainge yakavimbisa.
-
Kurume 30, 2016
VaMugabe Voshorerwa Mashoko Avakataura kuJapan
Mapato anopikisa ari kushora zvikuru mashoko emutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ekuti vakada kuenda pamudyandigere mhuri yeZimbabwe inova nekurwadziwa kwakanyanya sezvo vanhu vakawanda vachivatsigira.
-
Kurume 30, 2016
VaMunyaradzi Dhodho Vosimudza Mureza weZimbabwe kuMusangano Uri Kuitirwa kuSan Francisco
Vamwe vevaive pachirongwa che Mandela Washington Fellowship For Young African Leaders gore rapera, vari mu San Francisco kuCalifornia uko vari kupinda mumusangano wekuzeya nzira itsva dzekushandiswa kwedandemutande mumabhizinesi.
-
Kurume 30, 2016
VaChirombo Fanuel Vobatsira Zvikoro Zviri muZimbabwe neMabhuku
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe pazvinoenda kunze kwenyika zvinosvikoomerwa nezvinhu nekuda kwekushanduka kwetsika nemagariro, asi VaFanuel Chirombo vakakasika kugadzirisa upenyu nekuenda mberi nechikoro.
-
Kurume 30, 2016
Fodya Yotanga Kutengeswa Varimi Vachiisirwa Mari kuMabhanga Avo
Mumwe murimi wefodya kuMt Darwin, VaAlexander Chihore, vanoti dai zvaibvira dai vachipihwa mari yavo pamisika kuitira kuti vakwanise kutenga zvavanoda.
-
Kurume 29, 2016
VaZhuwao Vanoti Havadududze paMakambani Asiri Kutevera Mutemo
Gurukota rinoona nezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaPatrick Zhuwao, vanoti hurumende haisi kuzodududza pachirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema icho chave kushorwa nevakawanda munyika.
-
Kurume 28, 2016
Vana Chiremba Vanonzi Vari Kuramba Kusaina Magwaro eKupinda Mabasa
Makakatanwa pakati pehurumende navana chiremba vachangopedza zvidzidzo anonzi haasi kutarisirwa kupera nekukasika zvichitevera danho rinonzi riri kutorwa navana chiremba ava rekuramba kusaina magwaro ekupinda mabasa kana kuti makondirakiti.
-
Kurume 28, 2016
VaMugabe Voita Musangano neMutungamiri weHurumende yeJapan, VaShinzo Abe
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, nemusi weMuvhuro vakasangana namambo weku Japan, VaAkihito nemudzimai wavo, Empress Michiko, murwendo rwaVaMugabe ku Japan.
-
Kurume 22, 2016
Madzimai emuZimbabwe Obatana Nevamwe kuUnited Nations Kuzeya Matambudziko Akatarisana Nawo muNew York
United Nations iri kuenderera mberi nekuzeya matambudziko ari kutarisana nemadzimai pasi rose kana kuti United Nations Commission On The Status Of Women.
-
Kurume 22, 2016
Vakarwa Hondo Vanoti Havangadzingwe muZanu-PF neVakauya Hondo Yapera
VaChipanga vanoti havatereri zvinotaurwa naVaMutsvangwa nevamnwe vavo nekuti vapandukira bato reZanu-PF.
-
Kurume 22, 2016
Rimwe Sangano reVarimi Rotsigira Hurongwa hweKubhadhara Vachena Vakatorerwa Minda
Zimbabwe Farmers Union inoti inotambira nemufaro hurongwa hwehurumende hwekuti varimi vari mumapurazi akatorerwa vachena vabhadhare mari ichashandiswa mukuripa vachena ava budiriro dzavakanga vaita pamapurazi avo.
-
Kurume 21, 2016
Vanochengeta Nherera KwaMarange Vokumbira Rubatsiro
Mukuru wemusha unochengeta nherera kumaruwa ekwaMarange paBakorenhema Children’s Home arikuchema nenyaya yekushaya zvikwanisiro kuti vakwanise kuita mabasa avo nemazvo.
-
Kurume 21, 2016
Vanotengesera muMigwagwa yeGuta reGweru Vosvora Danho reKanzuru rekuti Vabve muNzvimbo Dzavari Kshandira
Sangano reVendors Initiative for Social and Economic Transformation, VISET, rinoti riri kunyunyuta zvakasimba nedanho rinonzi rakaziviswa nekanzuru yeguta reGweru, rekuti vose vanotengesera mumigwagwa vabude mukati meguta, kukundikana kwavo vanozobviswa nechisimba.
-
Kurume 18, 2016
IMF Inoti Zimbabwe Ngaibhadhare Misaririrwa yeZvikwereti Zvose Kuti Inzwirwe Tsitsi neIMF
Mumiriri we International Monetary Fund, IMF, muZimbabwe, VaChristian Beddes, vanoti bhodhi rebhanga ravo ndiro rine shoko rekupedzisira panyaya yekuti Zimbabwe yopihwa chimwe chikwereti here kana kuti kwete.
-
Kurume 18, 2016
Vanogaya Hupfu Votenga Chibage kuMexico, Uruguay neUkraine.
Sachigaro wesangano iri, VaTafadzwa Musarara, vanoti sangano ravo riri kutarisira kupinza chibage chekutanga chinosvika matani zviuru makumi mapfumbamwe chakatengwa kubva kunyika dzinoti Mexico, Ukraine neUruguay.
-
Kurume 17, 2016
VaMugabe Vosvimha Misodzi yeNgwena paMari yeMangonda
Nyanzvi munyaya dzemari nezvematongerwo enyika dzinoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoziva zvakaitika pamari yemangoda yavanoti haina kupinda muhomwe yehurumende.
-
Kurume 17, 2016
Vanhu Mamiriyoni Makumi Mashanu Vanonzi Vanogona Kuziya neNzara muSADC
Masangano anobatsira nechikafu munyika anoti Oxfam, Save the Children neCare International akurudzira nyika dzakabudirira, masangano anopa rubatsiro nehurumende dzekuchamhembe kweAfrica kuti vabatane mukutsvaga mari yekutengera vanhu zvekudya.
-
Kurume 16, 2016
WFP Yokumbira Mari Inosvika Mamiriyoni Mazana Maviri neMakumi Maviri Yekubatsira Zimbabwe
Sangano rinobatsira nechikafu pasi rose reWFP rinoti riri kuda mari inosvika mamiriyoni mazana maviri nemakumi maviri emadhora kuitira kuti ribatsire vanhu vari kuziya nenzara muZimbabwe.
-
Kurume 16, 2016
Kuvharwa kweMakambani eMangoda Kworwadza Vagari kwaChiadzwa
Vagari ava vanoti kumiswa kwakaitwa makambani aya kushanda vava kurasikirwa nemari zvakanyanya sezvo vaiva nemba dzaigarwa nevashandi vemakambani akamiswa kuitwa basa.
-
Kurume 16, 2016
Dare Rinoti Mbada Diamonds Ngaibvumidzwe Kuchengetedza Midziyo Yayo kwaMarange
Hurumende haina kutevedzera zvinodiwa nemitemo yenyika apo yakabvisa midziyo yeMbada Diamonds kwaChiadzwa zvichitevera kusapihwa nehurumende kwekambani iyi rezenisi rekuramba ichiita basa rekuchera mangoda.
-
Kurume 16, 2016
Chimwe Chizvarwa cheZimbabwe Chiri muAmerica Choshuvira Kuti Zvinhu Zvinake Kumusha
Mumwe wevanhu vari kushuvira kuti dai zvinhu zvagadzikana kuZimbabwe nekukasika, ndaVaNyanhi Bote, vari kuBoston, mudunhu re Massachusetts, avo vari kushanda samakanika pari zvino.
-
Kurume 15, 2016
Mumwe Mudzimai Oshura Mare neKurima Fodya
Mumwe murimi wechidzimai amai Nomsa Mapfunde vari kushura mare vachirima fodya kuDoma, kuMhangura, Mashonaland West.
-
Kurume 15, 2016
VaSupa Mandiwanzira Vanoti Hurumende Haisi Kuzovhara Whatsapp, Viber neSkype
Gurukota rinoona nezvehumhizha nehumhetura mukukufambiswa kwemashoko kana kuti information technology VaSupa Mandiwanzira vanoti hurumende haina hurongwa hwekudzivisa vanhu kushandisa whatsapp, viber ne skype
-
Kurume 14, 2016
VaChiyangwa Vosimudzirwa Demo paHuro Zvichitevera Kutengeswa kweMitambo yeZimbabwe Warriors
Vaimbova mukuru wekumahofisi eZifa, Muzvare Henrietta Rushwaya, avo vakaregererwa naVaChiyangwa, mushure mekumbodzingwa munhabvu, vave kupomerwa zvakare mhosva yekutengesa mitambo yechikwata chemaWarriors.
-
Kurume 14, 2016
Hurumende Yoronga Kukutanga Bhanga Rinobatsira Vanhukadzi Chete
Gurukota rinoona nezvemadzimai, Amai Nyasha Chikwinya, vanoti vari mushishi rekutanga bhanga richange richikweretesa mari madzimai nyore.
-
Kurume 14, 2016
Machechi Makuru Oronga Kutaura naVaMugabe neVanopikisa Achiti Nyika Yaenda kuMawere
Munyori mukuru we Zimbabwe Catholic Bishops Conference, Father Fredrick Chiromba, vanoti munguva pfupi inotevera vanofunga kuti vanenge vakwanisa kuita misangano nevezvematongerwo enyika.
-
Kurume 10, 2016
Zimbabwe Yovimbisa Kuvandudza Zvinhu Kuitira Kuti Ikwezve IMF ne World Bank
Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanoti Zimbabwe inofanira kusandura maitiro ayo munyaya dzehupfumi uyewo inofanira kubhadhara zvikwereti zvayo ku International Monetary Fund neWorld Bank.
-
Kurume 09, 2016
Zifa Inomisa Dzimwe Nhengo Ichidzipomera Kuita Huori Mukutengeswa kweMitambo
Sangano re Zimbabwe Football Association, Zifa, rinoti pane humbowo hwakawanda kuti pane huwori hwange huchiitwa nedzimwe nhengo dzesangano iri pamwe nevarairidzi nevatambi.
Mungangodewo
-
Kodzero-dzevanhu
DMC Yobhadhariswa Mari yeKusvibisa Nzizi kwaMarange
-
Mitambo
MaMighty Warriors Okunda Shepolopolo yekuZambia muMakwikwi eAfrican Women Cup
-
Matongerwo eNyika
Hama neShamwari dzaVaItai Dzamara Dzoratidzira
-
Matongerwo eNyika
Mapurisa Orambidza Madzimai Kuratidzira neNyaya yeVamwe Vavo Vari Muhunhapwa kuKuwait
-
Matongerwo eNyika
Politburo yeZanu-PF Yosangana muHarare Asi Kurwisana Kworamba Kupera