Thursday, September 25, 2014 Local time: 03:52
Audio menu
 Nhau dzeShona 1700
 Studio 7 for Zimbabwe
 Indaba


Nhau / Vechidiki

VaObama Vanoremekedza Muzvare Abigail Muleya muWashington

VaBarack Obama
x
VaBarack Obama
Ray Choto

Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, varemekedza chizvarwa cheZimbabwe, Muzvare Abigail Muleya, avo vanoshanda nesangano rinosimudzira kodzero dzemadzimai kuBinga.

VaObama vati mabasa akadai seari kuitwa naMuzvare Muleya anofanirwa kuremekedzwa zvikuru.

VaObama vataura mashoko aya neMuvhuro pamusangano wavaita nevechidiki vemu Africa vanosvika mazana mashanu pachirongwa che Washington Fellowship for Young African Leaders.

VaObama vakurudzira vechidiki ava kuti vamirire kodzero dzevanhu vose, kusanganisira dzemadzimai muAfrica. VaObama varumbidzawo mabasa ari kuitwa nevechidiki ava munyika dzavo, vachiti kugadzikana kwepasi rose kunoitika chete kana Africa ikazvisimudzira uye kuva nebudiriro.

Vechidiki vemuAfrica ava vari kuita misangano yemasvondo matanhatu muAmerica, uye musangano wavaita muWashington, uchateverwa nemusangano mukuru wevatungamiri venyika dzemu Africa, avo vachasanganawo naVaObama svondo rinouya.

Vatungamiri vemangwana ava varatidza kufara apo vasangana naVaObama.

VaObama vaudzawo vechidiki ava kuti chirongwa ichi chava kupihwa zita idzva senzira yekuremekedza muchakabvu Nelson Mandela, avo vakarwira rusununguko rweSouth Africa.

VaObama vati vechidiki ava zvavari kuita zvinoratidza zvinangwa zvaiva naVaMandela, avo vakashaya muna Zvita.

Kunyange hazvo VaObama vakaberekerwa muAmerica, baba vavo vaive vekuKenya. VaObama ndivo mutungamiri wekutanga wechitema muAmerica.

VaObama vasati vataura, vechidiki ava vasanganawo negurukota rezvekunze kwe America, VaJohn Kerry.

VaKerry varumbidza chizvarwa cheZimbabwe, Zandile Lambu, uyo anoshanda ne Econet nebasa raari kuita rekushandisa nharembozha mukufambiswa kwemari.

VaKerry vaudzawo vechidiki ava kuti vane simba rekuumba Africa yakanaka. Vati vechidiki ava vanofanirwa kushandura Africa mune rakanaka, kwete kuti irambe iri panzvimbo imwe chete.

You May Like

Musangano weUNGA Unotanga VaObama Vachiudza Pasi Rose Kuti Rirwise Hugandanga

Vachitaura pamusangano uyu, mutungamiri we America, Va Barack Obama, vatiwo pasi rose rinofanirwa kubatana mukurwisa hugandanga huri kuitwa nemasangano akaita seIslamic State. Onai zvimwe

Nyanzvi Dzopembedza ZEC Panyaya yaVaGono

Dzimwe nyanzvi dzemitemo dzinoti danho rakatorwa neZimbabwe Electoral Commission, ZEC, rekurambidza vaimbove gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe, VaGideon Gono, kutora chinzvimbo chaseneta weBuhera chakasiiwa namushakabvu VaKumbirai Kangai riri pamutemo Onai zvimwe

 VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

 LiveTalk TV

Onai zvimwe

Veruzhinji Vokurudzirwa Kuvhenekwa Gomarara Nguva Dzose

Sangano re Cancer Association of Zimbabwe rinoti magomarara epamuromo wechibereko mumadzimai negomarara resikarudzi muvarume ndiwo ari kubatwa vanhu vazhinji munyika. Onai zvimwe

Nyaya Ina Sandra Nyaira

Hurukuro naVaTerrence Hussein

Hurukuro naVaTawanda Zhuwarara

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Hurukuro NaAmai Patience Nyemba

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media

Hurukuro NaMuzvare Pretty Xaba

Hurukuro naVaRugare Gumbo


Studio 7

Studio 7

Studio 7

Chirongwa

English Mp3    |  Live 1730 UTC

Shona Mp3      |  Live 1700 UTC

Ndebele Mp3   |  Live 1800 UTC

LiveTalk Mp3  |  Live 1830 UTC

Facebook

 

Most Popular

Most Viewed
  1. MDC-T Inoti Zvigaro Zvose Zvichakwikwidzwa
  2. MDC Renewal Team Inodoma Amai Holland seMutungamiri
  3. Zimbabwe Yotungamira SADC Kudzivirira Ebola
  4. Mauto eZimbabwe neNamibia Okwenenzvera Hunyanzvi Hwavo
  5. America Inoramba Kuti Iri Kubhadhara Nhengo dzeParamende Kuti Dzifumure Zanu PF