WASHINGTON— Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, varemekedza chizvarwa cheZimbabwe, Muzvare Abigail Muleya, avo vanoshanda nesangano rinosimudzira kodzero dzemadzimai kuBinga.
VaObama vati mabasa akadai seari kuitwa naMuzvare Muleya anofanirwa kuremekedzwa zvikuru.
VaObama vataura mashoko aya neMuvhuro pamusangano wavaita nevechidiki vemu Africa vanosvika mazana mashanu pachirongwa che Washington Fellowship for Young African Leaders.
VaObama vakurudzira vechidiki ava kuti vamirire kodzero dzevanhu vose, kusanganisira dzemadzimai muAfrica. VaObama varumbidzawo mabasa ari kuitwa nevechidiki ava munyika dzavo, vachiti kugadzikana kwepasi rose kunoitika chete kana Africa ikazvisimudzira uye kuva nebudiriro.
Vechidiki vemuAfrica ava vari kuita misangano yemasvondo matanhatu muAmerica, uye musangano wavaita muWashington, uchateverwa nemusangano mukuru wevatungamiri venyika dzemu Africa, avo vachasanganawo naVaObama svondo rinouya.
Vatungamiri vemangwana ava varatidza kufara apo vasangana naVaObama.
VaObama vaudzawo vechidiki ava kuti chirongwa ichi chava kupihwa zita idzva senzira yekuremekedza muchakabvu Nelson Mandela, avo vakarwira rusununguko rweSouth Africa.
VaObama vati vechidiki ava zvavari kuita zvinoratidza zvinangwa zvaiva naVaMandela, avo vakashaya muna Zvita.
Kunyange hazvo VaObama vakaberekerwa muAmerica, baba vavo vaive vekuKenya. VaObama ndivo mutungamiri wekutanga wechitema muAmerica.
VaObama vasati vataura, vechidiki ava vasanganawo negurukota rezvekunze kwe America, VaJohn Kerry.
VaKerry varumbidza chizvarwa cheZimbabwe, Zandile Lambu, uyo anoshanda ne Econet nebasa raari kuita rekushandisa nharembozha mukufambiswa kwemari.
VaKerry vaudzawo vechidiki ava kuti vane simba rekuumba Africa yakanaka. Vati vechidiki ava vanofanirwa kushandura Africa mune rakanaka, kwete kuti irambe iri panzvimbo imwe chete.